Sakurira Fariro Mubhuku raKurarama Nokusingaperi
1 Apo tinoshanyira misha yavo, tinowanzowana kuti vanhu vakanyura mu“funganyo dzetsika ino yezvinhu.” (Marko 4:19, NW) Tinonangana nedenho yokubata fariro yavo nemharidzo inonyandura ndangariro. Pakutanga, vanhu vakawanda zvikurusa vangava nefariro duku mune zvatinotaura. Kana tikagona kutaura chimwe chinhu chichatapura upenyu hwavo, tingakwanisa kunyandurira fariro yakati kuti mushoko roUmambo. Chinokosha kukutanga kurukurirano kusarudza mapfundo okutaura anofadza anobva mubhuku raKurarama Nokusingaperi. Chii chaungagona kutaura?
2 Ungashandisa uku kusvika:
◼ “Kudai maiva nesimba, chinetsoi chinotambudza muzuva redu chamaizoruramisa? [Bvumira mhinduro, uye kana kwakafanira, bvuma kuti vanhu vakawanda vanonzwa nenzira imwe cheteyo.] Kusvikira panguva ino, vatungamiriri venyika vanoratidzika kuva nebudiriro duku mukuwana mhinduro kuzvinetso zvakawanda zvinokangaidza zvanhasi. Asi pane Munhu anogona uye achagumisa zvinetso zvose zvinotambudza rudzi rwavanhu. Ndapota cherechedzai chinotaurwa paPisarema 145:16. [Rava rugwaro rwacho, uye nongedzera kumifanikiso iri papeji 11-13.] Ndima 14 iri papeji 14 inomutsa mubvunzo watichangobva kukurukura uye inopfuurira kubvunza, kuti: ‘Asika ikoku kuchaitika rini?’” Tsanangura kuti bhuku racho richapindura mubvunzo iwoyo, govera bhuku racho.
3 Kana kuti ungagona kutaura chimwe chinhu chakafanana neichi:
◼ “Zvichida munoziva kunzwa kwokusava namaturo kunouya nokurasikirwa nomudiwa murufu. Sezvingabvira kwakakusuruvarisai uye vasina betsero zvikuru. Mungave makafungisisa mibvunzo iyi: [Rava mibvunzo iri mundima 1 iri papeji 76.] Hakusati kwaizova kunonyaradza here kuva nemhinduro yemibvunzo iyoyi? Kungakukurudzirayi kuziva kuti Bhaibheri rinopa tariro ine chokwadi nokuda kwaavo vakafa. [Rava Johane 5:28, 29.] Bhuku irori rinotibetsera kunzwisisa mugariro wavakafa uye kuti itariroi iripo nokuda kwenguva yemberi.” Nokupfupikisa nongedzera kumaganhuro 8 ne 20 ndokupa saimba mukana wokunzvera bhuku racho.
4 Pane bviro yakanaka yokuti uchasangana nemikana yokupupura nenzira yamasanga. Kana kwakadaro, ungataura mumashoko ako umene chimwe chinhu chakafanana neichi:
◼ “Nyika yakazara nezvinetso mazuva ano, uye pasina panikiro imi munazvowo. Kunosuruvarisa kuti, kunoratidzika kuti vasina mhaka vanotambura zvikurusa. Munofunga kuti Mwari achazombogumisa kutambura kwose here? [Bvumira mhinduro.] Regai ndikuratidzei icho Mwari anopikira kuitira avo vanomubatira. [Rava Pisarema 37:40 uye ipapo zarura bhuku raUnogona Kurarama papeji 99.] Bhuku iri rinotsanangura chikonzero nei Mwari akabvumidza uipi nenzira iyo achahugumisa nayo.”
5 Kana iwe uri muparidzi muduku zvikuru, ungagona kushandisa mharidzo yakavakirwa pamifanikiso inowanika pamapeji 156-8. Ungatanga nokubvunza, kuti:
◼ “Mungada here kugara munyika yakafanana neiyi? [Bvumira mhinduro.] Mumwe nomumwe wemifanikiso iyoyi yakaisvonaka wakavakirwa pachipikirwa chinotaurwa muShoko raMwari, Bhaibheri. [Nongedzera kunongedzero dzaMagwaro.] Bhuku irori rinogona kukubetserai kudzidza zvakawanda pamusoro pechipikirwa chaMwari chokuita kuti pasi rose rive paradhiso. Rine mashoko anoponesa upenyu uye rakakodzera zvikuru nguva yarinotora kurirava.”—Joh. 17:3.
6 Pakugovera bhuku racho, ngwarira dikanwo yokuita kudaro nenzira yakananga uye nepwiswo.