Kutanga Fundo dzeBhaibheri Nebhuku raKurarama Nokusingaperi
1 Kuda vanhu kunofanira kutisunda kuva vanokurumidza kudzokera kunobetsera avo vane nzara nenyota zvezvokwadi. (Mat. 5:6) Tinofanira kucherechedza uye kusakurira kachiratidzo kapi nekapi kefariro yatingawana kana tisingadi kuti ife. Gadziriro ndiyo chinokosha kukubudirira.
2 Nharidzano yedu inofanira kuva yokutanga fundo dzeBhaibheri. (Mat. 28:20) Kutsikirira kwokutanga kwebhuku raKurarama Nokusingaperi kwakabatanidza idzi tsinhiro dzesumo: “Iri zvamazvirokwazvo ibhuku rakaisvonaka rokushandisa mukufunda nomunhu ari wose, muduku kana kuti akura, pasinei zvapo nomupimo wavo wedzidzo.” Rakanyorwa nenzira inoita kuti kuitisa fundo kuve nyore zvikuru, kuchigonesa kunyange vaparidzi vatsva zvikuru kuva negoverano. Kubudirira kwedu mukutanga fundo itsva kunotsamira pakubudirira kwedu mukuita shanyo dzedzokerero.
3 Tinogona Sei Kutanga Fundo? Apo tinodzokera, kunowanzova kwakanaka kubatanidza kurukurirano yedu nepfundo rakati kana kuti mubvunzo wakadudzwa pashanyo yedu yokutanga. Zvichida makakurukura mugariro wavakafa, muchisiya mubvunzo wokuti, “Itariroi iripo nokuda kwavadiwa vedu vakafa?” Tsanangura kuti rumuko rwacho haisati iri tariro isina payakavakirwa; Bhaibheri rinodudza mienzaniso yakawanda yorumuko rwakatoitika. Hwirudzura mifanikiso iri pamapeji 167-9. Ipapo kurukurai zvinotaurwa mundima 1 ne 2 papeji 166. Kana pane fariro, karakadza kudzokera kuzopfuudzira kurukurirano yacho.
4 Ungave wakataura kumubereki akaratidza itiro hanya pamusoro pezvinetso zvinowedzera zvinowanwa mukurera vana. Ungataura, mumashoko ako umene, chimwe chinhu chakafanana neichi:
◼ “Vabereki vose vanoda zvakanakisisa nokuda kwavana vavo. Bhaibheri rine murayiridzo unogona kubetsera vabereki kurovedza vana vavo kuwana upenyu hunogutsa hune revo nechinangwa. Nokuda kwechikonzero ichocho, tinorumbidza zvakasimba kuti mhuri dzifunde Bhaibheri pamwe chete. [Nongedzera kundima 23 iri papeji 246.] Zivo inowanwa inogona kuunza zvikomborero zvisingaperi kumhuri yose.” Rava Johane 17:3. Taura kudisa kwako kudzokera kuzoratidza mhuri yacho nzira yokutanga nayo fundo yavo.
5 Kana uri muparidzi muduku kana kuti mutsva zvikuru uye wakataura nokupfupikisa pamusoro petariro yeParadhiso pashanyo yokutanga, wakazarura bhuku racho papeji 3, ingotaura chimwe chinhu chakafanana neichi:
◼ “Bhaibheri rinopikira kuti avo vanoita kuda kwaMwari vanogona kutarira mberi kukugara munyika yakafanana neiyi, umo muchava nomufaro norugare. Iri bhuku rinoratidza zvatinofanira kuita kuti tifarikanye chikomborero ichocho.” Nokupfupikisa tsanangura muitiro wedu wefundo, uye karakadza kuuenzanisira.
6 Savadzidzi vaJesu, tine musengwa wokubetsera vanhu. (VaR. 10:14) Kana takagovera bhuku kana kuti takangova nekurukurirano yakanaka, tine musengwa wokusakurira fariro yacho. (Mat. 9:37, 38) Kana tikaita mugove iwoyu nenzira yakafanira, vose vanogona kugoverana zvikomborero zvinovapo.—1 Tim. 4:16.