Bhaibheri—Manyuko Enyaradzo Netariro Munyika Inotambudzika
1 Nyika ino inoita kuti rudzi rwomunhu rwurambe rwuri mudzvinyiriro huru uye ruchida nyaradzo netariro. Bhaibheri ndiwo manyuko bedzi enyaradzo yechokwadi. Rinopa tariro yenyika itsva yokururama. (VaR. 15:4; 2 Pet. 3:13) Bhuku raInsight, Vhoriyamu 1, peji 311, rinoti: “Pasina Bhaibheri taisazoziva Jehovha, taisazoziva betsero dzinoshamisa dzinobva muchibayiro chorudzikinuro chaKristu, uye taisazonzwisisa zvinodikanwa zvinofanira kusvitswa kuti tiwane upenyu husingaperi tiri muUmambo hwaMwari hwakarurama kana kuti tichidzorwa nahwo.”
2 Mukati maNovember tichakwevera ngwariro chaiyo kubasa iro Shoko raMwari, Bhaibheri, rinoita mukubetsera vanhu kugonana nedzvinyiriro dzinobva munyika. Tichagovera bhuku raBhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? Chii chatinogona kutaura icho chichabetsera vanhu vane ndangariro yakarurama kunzwisisa ukoshi hweBhaibheri?
3 Pashure pokuzvisuma umene, ungagona kutaura chimwe chinhu chakafanana neichi:
◼ “Sezvingabvira munobvuma kuti takapoteredzwa nezvinetso zvinoda kutikangaidzira rugare rwedu rwendangariro. Ndokupi kwatinogona kuwana zano rinoshanda rokutiratidza nzira yokugonana nayo neizvi zvinetso. [Bvumira mhinduro.] Ndakawana Bhaibheri kuva rinonyaradza nemhaka yokuti rinotidzidzisa nzira yokuva nayo vanofara. [Rava Ruka 11:28.] Chinangwa chebasa redu ndechokukurudzira vanhu kurava Bhaibheri ndokubetserwa nomurayiridzo waro. Iyi yamuro yefundo yeBhaibheri, Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?, inogona kukubetserai kuita kudaro. Cherekedzai zvainotaura pamusoro pechisakiso chezvakawanda zvikurusa zvezvinetso zvenyika. [Rava mutsetse wechipiri wendima 9 papeji 187.] Kana mungada kurava iri bhuku, ndingafara kukusiyirai kopi iri nokuda kwomupiro we$8,00.”
4 Ungasarudza kushandisa kusvika kwakapfava kwakafanana nouku:
◼ “Tinofarira kukurudzira kuremekedza zvikuru Shoko raMwari, Bhaibheri. Ndingada kukupai kopi reiri turakiti, Chikonzero Nei Uchigona Kuvimba neBhaibheri. Iro rinotsanangura chikonzero nei tichigona kutarira kuBhaibheri kuti tiwane tariro yechokwadi yenyika iri nani. [Tendeukira kupeji 6, uye rava Pisarema 37:29 pamwe chete nendima yokugumisa.] Zviravirei mumene iri turakiti, uye nguva inotevera apo ndinoshanya, ndizivisei zvamunofunga nezvetariro iyo Bhaibheri rinopa.”
5 Vamwe vaparidzi vangada kushandisa uku kusvika kwakananga kwokutanga fundo yeBhaibheri:
◼ “Ndiri kushanya kuti ndikugoverei kosi yapachena yefundo yeBhaibheri yapamusha. Bhaibheri rakafuridzirwa naMwari, uye murayiridzo waro unogona kutibetsera kururamisa zvinhu. Rinotibetsera pamusoro penzira yokurarama nayo pamwe chete murugare nemhuri yedu. Mhuri dzakawanda dziri kuwana zvinetso uye dzimwe dzinoguma dzachatanura. Muchawana zvinotaura bhuku rino zvichifadza (tendeukira kupeji 168 ndima 18). Nzverai mamwe magwaro kana nguva ichibvumidza. Gadzira nzira yeshanyo inotevera.
6 Bhaibheri manyuko enyaradzo netariro pamwe chete nezvokwadi iyo inogona kutitungamirira kuupenyu husingaperi. (Joh. 17:3, 17) Kugoverana zivo yeBhaibheri navamwe kunofadza Jehovha, “uyo unoda kuti vanhu vose vaponeswe.”—1 Tim. 2:4.