Kusuma Nenzira Inobudirira Bhuku raKurarama Nokusingaperi
1 Jesu akanga ari nyanzvi mukushandisa kwake sumo. Iye aiziva chokutaura kuti amutse fariro. Pane imwe nhambo akatanga kurukurirano nomumwe mukadzi wechiSamaria kupfurikidza nokungomukumbira mvura yokunwa. Ikoku kwakakurumidza kubata ngwariro yake nemhaka yokuti ‘vaJudha vaisafambidzana navaSamaria.’ Kurukurirano yakatevera pakupedzisira yakamubetsera navamwe vazhinji kuva vadaviri. (Joh. 4:7-9, 41) Tinogona kudzidza mumuenzaniso wake.
2 Pakugadzirira kugovera bhuku raKurarama Nokusingaperi, zvibvunze umene kuti, ‘Ndedzipi dziri itiro hanya dzapakarepo dzavanhu mundima yedu? Chii chichafadza wechiduku, munhu akura, murume, kana kuti mudzimai?’ Ungagona kugadzirira inopfuura sumo imwe ndokuronga kushandisa inoratidzika kuva inokodzera zvikurusa nokuda kwemamirire ezvinhu acho.
3 Sezvo kuipa kwoupenyu hwemhuri kuchinetsa vazhinji, ungati:
◼ “Dzvinyiriro dzezuva nezuva dzoupenyu dzakaisa marwadzo makuru pamhuri nhasi. Ndokupi kwadzinogona kuwana rubatsiro? [Bvumira mhinduro.] Bhaibheri rinogona kuva betsero chaiyoiyo kwatiri. [Rava 2 Timotio 3:16, 17.] Magwaro anogovera nhungamiro dzinobetsera idzo dzinogona kubatsira mhuri kupukunyuka. Cherekedzai chinotaurwa mundima 3 papeji 238 yechinyorwa chino, Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano.” Rava ndima 3, uye govera bhuku racho nokuda kwe$15,00.
4 Kana uri kushandisa mushumo wenhau womunzvimbomo, ungati:
◼ “Makanzwa here mushumo wenhau pamusoro pe[dudza mushumo weitiro hanya womunzvimbomo]? Makafungei pamusoro paikoko? [Bvumira mhinduro.] Kunoita kuti mushamisike kuti nyika iri kunanga kupi, hakudaro here? Bhaibheri rakafanotaura zvinhu zvakadai soufakazi hwokuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira.” Ipapo rangarira mashoko ari mubhuku raKurarama Nokusingaperi, mapeji 150-3.
5 Vazhinji vanoitira hanya pamusoro pechinetso choutsotsi chiri kukura. Ungagona kushandisa sumo yokutanga pasi pomusoro unoti “Utsotsi/Kotsekano” papeji 14 yebhuku ra“Kurangarira”:
◼ “Isu tiri kutaura navanhu pamusoro penhau yokukotsekana kwomunhu amene. Kune utsotsi huzhinji hwakatipota, uye hunotapura upenyu hwedu. Ko imi munofunga kuti kunodikanwa chii kuti vanhu vakafanana nemi uye neni tinzwe takakotsekana mumigwagwa usiku?” Ungarava Pisarema 37:10, 11 ndokuonesa zvikomborero izvo Umambo hwaMwari huchaunza, uchishandisa mapeji 156-8 ebhuku raKurarama Nokusingaperi.
6 Kana uchida kusvika kwakapfava zvikuru, ungashandisa sumo yakafanana neinowanika papeji 12 mubhuku ra“Kurangarira”:
◼ “Tiri kukurudzira vavakidzani vedu kurangarira nguva yemberi yakaisvonaka iyo Bhaibheri rinotipikira. [Rava Zvakazarurwa 21:3, 4.] Ikoku kunonzwika kwakanaka kwamuri here? [Bvumira mhinduro.] Ganhuro 19 rechinyorwa chino rinosimbisa zvimwe zvikomborero izvo rudzi rwomunhu runoteerera ruchawana muUmambo hwaMwari.” Pfuurira kugovera bhuku raKurarama Nokusingaperi.
7 Kugadzirira sumo inobudirira kunogona kukubetsera kusvika avo vane nzara yokururama.—Mat. 5:6.