Mapepa Okukokera Chirangaridzo Anofanira Kuparadzirwa Mupasi Rose!
1. Mushandirapamwe upi unokosha uchaitwa mupasi rose Chirangaridzo chisati chaitwa?
1 “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.” (Ruka 22:19) Vachiteerera murayiro uyu wakapiwa naJesu, vanamati vaJehovha vachaungana pamwe chete nevanofarira musi waMarch 30, 2010 kuti vayeuke rufu rwaJesu. Mapepa okukoka vanhu kuChirangaridzo achaparadzirwa mupasi rose kutanga musi waMarch 13 kusvika March 30.
2. Tingakoka sei vanhu?
2 Maitirwe Azvo: Ungapa saimba pepa racho kuti aone mufananidzo uri pokutanga, wobva wati: “Manheru emusi waMarch 30, mamiriyoni evanhu mupasi rose achaungana kuti vayeuke rufu rwaJesu. Ndauya kuzokupai imi nemhuri yenyu pepa iri rokukukokai kuti muzopindawo musangano wacho. Munogona kuuyawo neshamwari dzenyu. Ndapota onai nguva nenzvimbo ichaitirwa musangano wacho.” Zvichienderana nemamiriro ezvinhu, ungasarudza kuverenga Ruka 22:19 kubva muBhaibheri kuti umuratidze murayiro wacho uri muMagwaro. Zvisinei, yeukai kuti sezvo tiine nguva shoma yokupedza ndima, zvakanaka chaizvo kusawanza mashoko.
3. Ndivanaani vatingakoka?
3 Kana ungano yenyu iine ndima yakakura, vakuru vangakuudzai kuti musiye mapepa acho padzimba dzinenge dzisina vanhu pamunoshanya kokutanga. Pazvinenge zvakakodzera, goverai magazini pamwe chete nemapepa okukoka. Ivai nechokwadi chokukoka vanhu vamakavimbisa kuti muchadzoka, vamunodzidza navo Bhaibheri, vokubasa, vokuchikoro, voukama uye vamwe vamunozivana navo.
4. Kunzwisisa uye kuonga rudo rwaJehovha rwaakaratidza nokupa rudzikinuro kuchaita kuti tiitei?
4 Gadzirirai Kushanda Zvakazara: Mwaka weChirangaridzo inguva yakanaka zvikuru yokuti tiwedzere basa redu. Unogona kugadzirisa purogiramu yako here kuti uite upiyona hwebetsero? Une vana here kana vanhu vaunodzidza navo Bhaibheri vari kufambira mberi mune zvokunamata? Kana zvakadaro, taura nevakuru kuti vaone kana vatsva vacho vachikodzera kuitawo mushandirapamwe wacho sevaparidzi vasina kubhabhatidzwa. Kunzwisisa uye kuonga rudo rwaJehovha rwaakaratidza nokupa rudzikinuro kuchaita kuti tipinde Chirangaridzo uyewo tikoke vakawanda kuti vapindewo nesu.—Joh. 3:16.