Mushandirapamwe Wekukoka Vanhu kuChirangaridzo Uchatanga Musi wa22 March
Gore rino mushandirapamwe wedu wekukoka vanhu kuChirangaridzo uchatanga musi weMugovera, 22 March. Vanhu vose vanokurudzirwa kushanda nesimba pamushandirapamwe wacho. Tichagoverawo magazini emwedzi wacho pazvinenge zvakakodzera pakupera kwevhiki. PaMugovera wokutanga muna April tichagovera mapepa okukoka kwete kutanga zvidzidzo zveBhaibheri. Asi kana tikaona munhu anonyatsofarira, tinogona kuedza kutanga chidzidzo cheBhaibheri. Mutariri webasa anogona kusarudza kana kuparadzira mapepa okukoka munzvimbo dzinowanika vakawanda kuchizobatsira ungano kuti ikoke vanhu vakawanda vari mundima. Nyora mazita evanhu vaunoda kukoka vakadai sehama, vekubasa, vekuchikoro, vawakambokurukura navo, nevamwewo vaunoziva, uye vape pepa rokukoka panotanga mushandirapamwe. Tinovimba kuti vakawanda vachabatana nesu pakuyeuka rudo rukuru rwatakaratidzwa naJehovha uye naJesu.—Joh. 3:16; 15:13.