Mushandirapamwe Wokukoka Vanhu kuChirangaridzo Uchatanga Musi waMarch 17
1. Mushandirapamwe wei uchatanga musi waMarch 17?
1 Chirangaridzo chinoitwa gore negore chinoitirwa kuti chizivise kufa kwaJesu. (1 VaK. 11:26) Saka tinoda kuti vamwe vauye kuzoungana nesu vachinzwa nezvechipo chinoratidza rudo chorudzikinuro chatakapiwa naJehovha. (Joh. 3:16) Gore rino, mushandirapamwe wokukoka vanhu kuChirangaridzo uchatanga musi woMugovera March 17. Uri kuronga kushanda nesimba pamushandirapamwe uyu here?
2. Tingati kudii patinenge tichikoka vanhu?
2 Zvatingataura: Zvakanaka chaizvo kuti tipe mharidzo pfupi. Tinogona kuti: “Makadii? Tauya kuzokukokai imi nemhuri yenyu kuti muuye kuchiitiko chinokosha chichaitwa pasi rose musi waApril 5. Pachapiwa hurukuro inobva muBhaibheri ichatsanangura kuti kufa kwaJesu kwakabatsirei uye zvaari kuita iye zvino. Kuzoteerera hurukuro iyi hakubhadhariswi. Papepa iri pakanyorwa nzvimbo nenguva zvichaitwa musangano uyu munharaunda yedu.” Patinenge tichikoka vanhu mukupera kwevhiki, tinofanirawo kugovera magazini pazvinenge zvakakodzera.
3. Tingaitei kuti tikoke vanhu vakawanda chaizvo?
3 Koka Vanhu Vakawanda Chaizvo: Chinangwa chedu ndechokukoka vanhu vakawanda chaizvo. Saka iva nechokwadi chokuti wakoka vaunodzidza navo Bhaibheri, vanofarira, hama dzako, vaunoshanda navo, vaunodzidza navo kuchikoro, vavakidzani uye vaunozivana navo. Vakuru veungano yenyu vachakuudzai kuti ndima ichashandwa sei. Mushandirapamwe watinoita tichikoka vanhu kuChirangaridzo gore negore unoshanda chaizvo. Gore rapera mumwe mukadzi paakasvika paiitirwa Chirangaridzo, murindiri akamuudza kuti aizomubatsira kutsvaka chapupu chakanga chamukoka. Asi mukadzi wacho akati hapana waaiziva aivapo nokuti akanga apiwa pepa nemumwe aiparidza paimba neimba mangwanani omusi iwoyo.
4. Zvikonzero zvipi zvinoita kuti tishande nesimba pakuita mushandirapamwe?
4 Zvimwe pavanhu vawakakoka pachawanikwa mumwe chete achauya. Kunyange kana vamwe vakaramba, kushingaira kwako kuchapa uchapupu. Mahendibhiri auchapa vanhu achazivisa kuti Jesu iye zvino ndiMambo ane simba. Kushingaira kwako kuchaita kuti vaya vari mundima yako, vaunonamata navo, uye kunyanya Jehovha, vaone kuti unokoshesa nemoyo wose chipo chorudzikinuro.—VaK. 3:15.