Mushandirapamwe Wokukoka Vanhu kuChirangaridzo Uchatanga Musi wa1 March
1. Tichatanga riini kukokera vanhu kuChirangaridzo, uye nei gore rino mushandirapamwe uchange wakareba?
1 Musi weChishanu, 1 March, tichatanga mushandirapamwe unoitwa kamwe chete pagore wokukokera vanhu kuChirangaridzo. Chirangaridzo chichaitwa musi wa26 March, kureva kuti mushandirapamwe uchange wakati rebei kupfuura mamwe makore. Zvichapa mukana wokuti tikokere vanhu vakawanda, kunyanya kana ndima yeungano yakakura.
2. Vaparidzi vachapiwa sei mapepa okukokera uye vachaparidza sei mundima yavo?
2 Maitiro Atichazviita: Vakuru vachapa mirayiridzo yokuti ndima ichashandwa sei, uye kuti tingasiya here mapepa okukokera padzimba dzinenge dzisina vanhu. Kana mapedza kugovera dzimba dzose dziri mundima yeungano yenyu, munogona kuagovera mumugwagwa. Mutariri webasa anofanira kuona kuti mapepa okukokera akanyatsonyorwa zvakarurama uye aiswa pakaunda yemabhuku kana kuti yemagazini kuti vaparidzi vatore, asi hamufaniri kuaburitsa ose. Tinofanira kungotora atinoda kushandisa muvhiki imwe chete.
3. Chii chatinofanira kufunga nezvacho patinenge tichikoka vanhu kuChirangaridzo?
3 Tichaagovera Sei? Zvakanaka kuti tisarebesa mharidzo yedu kuitira kuti tikwanise kuonana nevanhu vakawanda. Papeji 4 pane mharidzo yokuenzanisira inogona kutibatsira kuti titaure zvinoenderana nendima yedu. Asi kana saimba akaratidza kuti anofarira uye ane mibvunzo, tinogona kumboti kurukurei naye. Patinenge tichiagovera mukupera kwevhiki, tinofanirawo kubva tagovera magazini kana zvichiita. Musi wa2 March, tichange tichikoka vanhu kuChirangaridzo panzvimbo pokuti titange kutsvaka vokudzidza navo Bhaibheri.
4. Nei tichifanira kushanda nesimba pakuita mushandirapamwe uyu?
4 Tinovimba kuti vakawanda vachauya kuChirangaridzo. Hurukuro yacho ichatsanangura kuti Jesu ambori ani. (1 VaK. 11:26) Ichatibatsira kuona kuti rufu rwake runotibatsira sei. (VaR. 6:23) Uye ichakurukura kuti nei zvichikosha kuti timuyeuke. (Joh. 17:3) Ngatishandei nesimba pakuita mushandirapamwe uyu!