Kuparadzirwa Kwemapepa Okukokera kuChirangaridzo Kuchatanga Pana April 2
1. Ndiriini patichaparadzira mapepa okukokera vanhu kuChirangaridzo gore rino, uye mushandirapamwe uyu watinoita gore negore unokosha zvakadini?
1 Kubva musi waApril 2 kusvika April 17, tichaparadzira mapepa okukokera vanhu kuchiitiko chinokosha zvikuru pagore—Chirangaridzo chorufu rwaKristu. Mumakore akapfuura, vanhu vakawanda vanofarira vakabvuma kukokwa uku kunoitwa pamushandirapamwe unoitwa gore negore. Somuenzaniso, musi weChirangaridzo, mumwe mukadzi akafonera hofisi yebazi ndokuti: “Pandangosvika kumba, ndaona pasi pedhoo rangu paine pepa rokukoka. Ndiri kuda kuenda, asi handisi kunyatsoziva nguva yacho.” Hama yacho yakamutsanangurira paaigona kuwana mashoko acho papepa rokukoka. Mukadzi wacho akagumisa nokuvimbisa kuti, “Ndiri kunopinda musangano wenyu nhasi manheru!”
2. Tingatii pakugovera pepa rokukokera kuChirangaridzo?
2 Maitiro Atichaita: Sezvo tiine nguva shoma yokushanda ndima yedu, zvakanaka chaizvo kuti titaure nevanhu kwenguva pfupi. Tinogona kuti: “Kwaziwai. Tinoda kukoka mhuri yenyu kumusangano unokosha unoitwa gore negore uchaitwa munyika yose musi weSvondo, April 17. [Tambidza saimba wacho pepa rokukoka.] Musi iwoyo ndiwo unorangarirwa rufu rwaJesu. Pachava nehurukuro ichapiwa pasina anobhadhara inobva muBhaibheri inotsanangura kuti tingabatsirwa sei nerudzikinuro rwaKristu. Pepa rino rinoratidza kero yepachaitirwa musangano wacho munharaunda yedu uye nguva yacho.”
3. Tingakoka sei vanhu vakawanda sevatingakwanisa?
3 Kana ungano yenyu iine ndima yakakura, vakuru vangakuudzai kuti musiye mapepa okukoka kana paine pokuaisa pasingaonekwi nevari kupfuura padzimba dzinenge dzisina vanhu. Ivai nechokwadi chokukoka vanhu vamunodzokera kunokurukura navo, hama dzenyu, vamunoshanda navo, vokuchikoro, uye vamwe vamunozivana navo. Pamunenge muchiparadzira mapepa okukoka pakupera kwevhiki, goverai magazini pose pazvinenge zvakakodzera. Unogona kutora upiyona hwebetsero here mumwedzi waApril kuitira kuti uve nezvakawanda zvokuita pamushandirapamwe uyu unonakidza?
4. Nei tichida kuti vanhu vanofarira vapinde Chirangaridzo?
4 Vaya vanofarira vachapinda Chirangaridzo vachanyatsowana uchapupu hwakasimba! Vachanzwa nezverudo rukuru rwakaratidzwa naJehovha nokupa rudzikinuro. (Joh. 3:16) Vachadzidza kuti Umambo hwaMwari huchabatsira sei vanhu. (Isa. 65:21-23) Vachakumbirwawo kuti vataure nevarindiri vokumbira kudzidza Bhaibheri kuitira kuti vadzidze zvakawanda. Tinonyengeterera kuti vanhu vakawanda vane mwoyo yakatendeseka vachabvuma kukokwa vopinda nesu Chirangaridzo!