Takakwaniriswa Nokushongedzerwa Kudzidzisa Vamwe
1 Apo Mosesi akagadzwa somumiriri waJehovha, haana kunzwa achikwaniriswa kuzivisa shoko raMwari kuna Farao. (Eks. 4:10; 6:12) Jeremia akazivisa kushayiwa chivimbo kwake mukukwanisa kubatira semuporofita waJehovha, achiudza Mwari kuti aisaziva mataurire. (Jer. 1:6) Pasinei zvapo nokushayiwa kwavo chivimbo pakutanga, vaporofita ivavo vose vari vaviri vakabvumikisa kuva zvapupu zvisingatyi zvaJehovha. Vakakwaniriswa zvakakwana naMwari.
2 Nhasi, nemhaka yaJehovha, tine zvatinoda kuti tiite ushumiri hwedu nechivimbo. (2 VaK. 3:4, 5; 2 Tim. 3:17) Samakanika akakwaniriswa ane maturisi akakwana, takashongedzerwa zvakafanira kuita ushumiri hwedu hwakagoverwa nounyanzvi. Muna January tiri kugovera Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei? kana kuti Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo“Muchinda woRugare.” Sechinotsiva tinogona kugovera bhuku ripi neripi rine mapeji 192 rakabudiswa 1984 asati asvika uye iro ungano ingave naro. Kunyange zvazvo maturisi omudzimu aya asiri matsva, misoro yawo yeMagwaro ichiri yazvino uno uye mabhuku aya achabetsera vanhu kudzidza chokwadi. Mharidzo dzakakarakadzwa dzinotevera dzingawiriraniswa nebhuku ripi neripi riri kugoverwa.
3 Nhau yedzidzo ingashandiswa kumutsa fariro muShoko raMwari. Ungagona kutanga kurukurirano nokuti:
◼ “Kune simbiso huru nhasi yokudikanwa kwedzidzo yakanaka. Sokufunga kwenyu, idzidzo yorudzii iyo munhu anofanira kuronda kuti ave nechokwadi chomufaro mukurusa nekubudirira muupenyu? [Bvumira mhinduro.] Betsero dzisingagumi dzinogona kuwanwa naavo vanopinza zivo yaMwari. [Rava Zvirevo 9:10, 11.] Bhuku duku iri [ipa musoro webhuku rauri kugovera] rakavakirwa paBhaibheri. Rinonongedzera kumanyuko bedzi ezivo inogona kutungamirira kuupenyu husingaperi.” Ratidza muenzaniso wakananga mubhuku racho. Kana saimba wacho achifarira, govera bhuku racho ndokuronga nokuda kweshanyo yedzokerero.
4 Pakudzokera kuna saimba wawakakurukura naye nezvekukosha kwedzidzo yeBhaibheri, ungati:
◼ “Pashanyo yangu yakapfuura, takakurukura Bhaibheri semanyuko edzidzo inogona kuita kuti tive nechokwadi nenguva yedu yemberi isingagumi. Chokwadika, kunoda nhamburiko kudzidza zvatinofanira kuziva muMagwaro. [Rava Zvirevo 2:1-5.] Vanhu vazhinji vanokuwana kwakaoma kunzwisisa zvimwe zvikamu zveBhaibheri. Ndingada kuenzanisira nokupfupikisa nzira yatakashandisa zvikuru kubetsera vanhu kudzidza zvakawanda pamusoro pedzidziso huru dzeBhaibheri.” Uchishandisa bhuku rakasiiwa, tendeukira kunzvimbo yakakodzera ndokuenzanisira nokupfupikisa fundo yeBhaibheri. Kana saimba achishuva kuva nefundo yenguva dzose, tsanangura kuti uchadzoka neyamuro yedu yokufunda Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi.
5 Vanhu vazhinji vanonetswa nokutambura kwemamiriyoni evana venyika. Zvichida unogona kubetsera saimba kuona nzira iyo Mwari anorangarira nayo nhamo iyi, nokuti:
◼ “Pasina mubvunzo makaona mishumo yenhau pamusoro pevana kupota nyika vane nzara, vanorwara, uye vakaregeredzwa. Neiko masangano anoitira hanya asina kukwanisa kunatsa mamiriro acho ezvinhu? [Bvumira mhinduro.] Mwari anoda bedzi zvakanakisisa nokuda kwavanhu. Onai zvaanopikira vana nevakuru, sezvakanyorwa muBhaibheri. [Rava Zvakazarurwa 21:4.] Bhuku iri [dudza musoro wacho] rinogovera udzame hwakawanda pamusoro penyika ichaitwa naMwari umo kutambura kuchaguma.” Kana zvichibvira, vhura pane mufananidzo unoratidzira Paradhiso, uye ukurukure. Govera bhuku racho, uye ronga imwe shanyo.
6 Kana wakatanga kutaura pamusoro pokutambura kwevana, pashanyo inotevera ungapfuudzira kurukurirano yacho nokuti:
◼ “Apo ndaiva pano nguva pfupi yapfuura, makaratidzira kushushikana pamusoro penhamo yevana vanotambura nemhaka yemisha yakaputsika, nzara, chirwere, uye masimba masimba. Zvinonyaradza kurava muBhaibheri pamusoro penyika umo pasina vana kana kuti vakuru vachatambura nechirwere, marwadzo, kana kuti rufu. Uporofita huri mubhuku raIsaya hunorondedzera upenyu huri nani huchauya pasi pano.” Rava ndokukurukura Isaya 65:20-25. Tungamirira kufundo yeBhaibheri pakupedzisira mubhuku raZivo.
7 Sezvo muitiro wokunyengetera uchizivikanwa navose kuvanhu vorudzidziso, ungagona kutanga kurukurirano pamusoro uyu nokuti:
◼ “Pane imwe nguva muupenyu hwedu, vazhinjisa vedu takava nezvinetso zvakatisunda kunyengeterera betsero kuna Mwari. Asi, vazhinji vanofunga kuti minyengetero yavo haipindurwi. Kunotoratidzika sokuti vatungamiriri vorudzidziso vanonyengeterera rugare pachena havasi kunzwikwa. Tinodaro nemhaka yokuti hondo nemasimba masimba zvinopfuurira kurwadza rudzi rwomunhu. Mwari anoteerera minyengetero chaizvoizvo here? Kana achidaro, nei minyengetero mizhinji kudaro ichiratidzika kuva isingapindurwi? [Bvumira mhinduro.] Pisarema 145:18 rinotsanangura zvinodikanwa kana minyengetero yedu ichizopindurwa. [Rava rugwaro.] Kutanga, minyengetero kuna Mwari inofanira kuva yemwoyo wose uye inotsinhirana nechokwadi chinowanwa muShoko rake, Bhaibheri.” Ratidza bhuku rauri kugovera, uye ratidza zvarinotaura pamusoro poukoshi hwomunyengetero.
8 Pakutevera kurukurirano yakapfuura pamusoro pomunyengetero, ungaedza musvikiro uyu:
◼ “Ndakafarikanya kurukurirano yedu yepanhau yomunyengetero. Pasina mubvunzo muchawana mifungo yaJesu pamusoro pezvokunyengetera kuva nhungamiro inobetsera.” Rava Mateo 6:9, 10, uchionesa zvinhu zvokuitira hanya zvikuru zvakataurwa naJesu mumunyengetero wake womuenzaniso. Ratidza ganhuro 16, “Kuswedera Kwaunogona Kuita Pedyo naMwari,” mubhuku raZivo, uye kumbira kana uchigona kuenzanisira nzira yokudzidza nayo mashoko acho.
9 Pamusoro pokupa zivo yaMwari kuna vamwe, tingabvunza kuti, “Ndianiko ungakwanisa zvinhu zvakadai?” Magwaro anopindura kuti: “Tinotaura.”—2 VaK. 2:16, 17.